Psalms 136

1Vongai Jehovha, nokuti akanaka:

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
2Vongai Mwari wavamwari:

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
3Vongai Ishe wamadzishe:

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

4iye oga anoita zvishamiso zvikuru,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
5iye akaita matenga nokunzwisisa kwake,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
6iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura zhinji,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
7iye akaita zviedza zvikuru,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
8zuva kuti ribate ushe masikati,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
9mwedzi nenyeredzi kuti zvibate ushe usiku;

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

10iye akarova matangwe eIjipiti,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
11uye akabudisa Israeri kubva pakati pavo,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
12noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

13iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
14uye akayambutsa Israeri napakati paro,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
15asi akakukura Faro nehondo yake muGungwa Dzvuku;

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

16iye akatungamirira vanhu vake nomugwenga,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
17akarova madzimambo makuru,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
18uye akauraya madzimambo ane simba,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
19Sihoni mambo wavaAmori,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
20naOgi mambo weBhashani,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
21akavapa nyika yavo senhaka,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
22nhaka kumuranda wake Israeri.

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

23Iye akatirangarira pakudzikisirwa kwedu,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
24uye akatisunungura kubva pavavengi vedu,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
25uye anopa zvokudya kuzvisikwa zvose.

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

26Vongai Mwari wokudenga,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
Copyright information for SnaBDSC